1 Vongai Jehovha, danai kuzita rake;
2 Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza;
3 Ngarikudzwe zita rake dzvene;
4 Tarirai kuna Jehovha nokusimba rake;
5 Rangarirai zvishamiso zvaakaita,
6 imi vana vaAbhurahama muranda wake,
7 Ndiye Jehovha Mwari wedu;
8 Anorangarira sungano yake nokusingaperi,
9 sungano yaakaita naAbhurahama,
10 Akaisimbisa kuna Jakobho somutemo,
11 “Ndichapa nyika yeKenani kwauri
12 Pavaiva vashoma pakuwanda,
13 vakadzungaira vachibva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe rudzi.
14 Haana kutendera munhu kuvadzvinyirira;
15 “Musabata vazodziwa vangu;
16 Akadana nzara panyika
17 uye akatuma munhu pamberi pavo,
18 Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo
19 kusvikira zvaakareva zvazadziswa,
20 Mambo akatuma shoko kuti asunungurwe,
21 Akamuita tenzi weimba yake,
22 kuti arayire machinda ake sezvaaida
23 Ipapo Israeri akapinda muIjipiti;
24 Jehovha akawanza vanhu vake chose;
25 avo vaakashandura mwoyo yavo kuti ivenge vanhu vake,
26 Akatuma Mozisi muranda wake,
27 Vakaita zviratidzo zvinoshamisa pakati pavo,
28 Akatumira rima akaita kuti nyika ive murima,
29 Akashandura mvura yavo zhinji ikava ropa,
30 Nyika yavo yakazara namatatya,
31 Akataura mapupira enhunzi akauya,
32 Akashandura mvura yavo ikava chimvuramabwe,
33 akarova mizambiringa yavo nemionde yavo,
34 Akataura, mhashu dzikauya,
35 zvakadya miriwo minyoro yose munyika yavo,
36 Ipapo akarova matangwe munyika yavo,
37 Akabudisa Israeri akaremerwa nesirivha negoridhe,
38 Ijipiti yakafara pavakabva,
39 Akatatamura gore rikava chifukidzo,
40 Vakakumbira, iye akavauyisira zvihuta, uye akavagutsa nechingwa chakabva kudenga.
41 Akazarura dombo, mvura ikatubuka;
42 Nokuti akarangarira mhiko yake tsvene
43 Akabudisa vanhu vake nomufaro,
44 akavapa nyika dzendudzi,
45 kuti vachengete zvaakatema