1 Mwanakomana wangu, kana uchinge waita rubatso kumuvakidzani wako,
2 kana uchinge wasungwa nokuda kwezvawakataura,
3 ipapo ita izvi, mwanakomana wangu,
4 Usatendera meso ako hope,
5 Zvipukunyutse, semhara kubva paruoko rwomuvhimi,
6 Enda kusvosve, iwe simbe;
7 Harina mutungamiri,
8 asi rinochengeta zvokudya zvaro muzhizha,
9 Uchasvika riniko wakarara ipapo, iwe simbe?
10 Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira zvishomanana,
11 Naizvozvo urombo huchauya kwauri segororo,
12 Munhu asina maturo uye anoita zvakaipa,
13 anochonya nameso ake,
14 anoronga zvakaipa nounyengeri mumwoyo make,
15 Naizvozvo njodzi ichamuwira munguva shoma shoma;
16 Pane zvinhu zvitanhatu zvakavengwa naJehovha,
17 meso anozvikudza,
18 mwoyo unoronga mano akaipa,
19 chapupu chenhema chinodurura nhema,
20 Mwanakomana wangu, chengetedza mirayiro yababa vako,
21 Zvisungirire pamwoyo wako nokusingaperi;
22 Paunofamba zvichakutungamirira;
23 Nokuti mirayiro iyi ndiyo mwenje kwauri, dzidziso iyi ndiyo chiedza,
24 kunokuchengetedza pamukadzi asingazvibati,
25 Usachiva runako rwake mumwoyo mako,
26 nokuti chifeve chinokuderedza kusvikira wafanana nechingwa,
27 Ko, munhu angaisa moto pamakumbo ake,
28 Ko, munhu angafamba pamazimbe anopisa,
29 Ndizvo zvakaita uyo anorara nomudzimai womumwe murume;
30 Vanhu havazvidzi mbavha
31 Asi kana akabatwa, anofanira kuripa kakapetwa kanomwe,
32 Asi munhu anoita upombwe, anoshayiwa njere;
33 Kurohwa nokunyadziswa ndiwo mugove wake,
34 nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume,
35 Haangagamuchiri muripo upi zvawo;