1 Mwanakomana wangu, nyatsoteerera kuuchenjeri hwangu,
2 kuti ugare wakachengeta kungwara
3 Nokuti miromo yomukadzi chifeve inodonha uchi,
4 asi pakupedzisira anovava senduru,
5 Tsoka dzake dzinoenda kurufu;
6 Haafungi pamusoro penzira youpenyu;
7 Saka zvino, vanakomana vangu, nditeererei;
8 Fambai nenzira iri kure naye,
9 kuti murege kupa vamwe zvakanaka zvesimba renyu,
10 kuti vatorwa varege kudya upfumi hwenyu,
11 Pakupedzisira kwoupenyu hwako uchagomera,
12 Uchazoti, “Mavengero andaiita kurayirwa!
13 Ndakanga ndisingateereri vadzidzisi vangu,
14 Ndasvika pakuparara chaiko
15 Inwa mvura pachirongo chako chaicho,
16 Ko, zvitubu zvako zvinofanira kuerera mumigwagwa here;
17 Ngadzive dzako woga,
18 Tsime rako ngariropafadzwe,
19 Sehadzi yengururu inofadza, nehadzi yenondo yakanaka,
20 Unosungirweiko, mwanakomana wangu, nomukadzi chifeve?
21 Nokuti nzira dzomunhu dziri pachena pamberi paJehovha,
22 Zviito zvakaipa zvomunhu akaipa zvichamusunga;
23 Achafa nokuda kwokushayiwa kuzvibata kwake,