1 Teererai, vanakomana vangu, kurayira kwababa venyu;
2 Ndinokupai dzidziso yakanaka,
3 Pandakanga ndiri mukomana mumba mababa vangu,
4 baba vangu vakandidzidzisa vachiti,
5 Wana uchenjeri, wana kunzwisisa;
6 Usarasa uchenjeri, ipapo huchakuchengeta;
7 Uchenjeri chinhu chikuru; naizvozvo wana uchenjeri.
8 Uhukudze; ipapo huchakusimudzira;
9 Huchakupfekedza chishongo chenyasha mumusoro mako,
10 Teerera, mwanakomana wangu, gamuchira zvandinotaura,
11 Ndinokudzidzisa nzira youchenjeri
12 Paunofamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi,
13 Batisisa kurayirwa, usarega kuchienda;
14 Usaisa rutsoka panzira dzavakaipa,
15 Udzinzvenge, usafamba padziri;
16 Nokuti havangavati vasati vaita zvakaipa;
17 Vanodya zvokudya zvezvakaipa,
18 Nzira yavakarurama yakafanana nechiedza chamambakwedza,
19 Asi nzira yavakaipa yakaita serima guru;
20 Mwanakomana wangu, nyatsoteerera zvandinotaura;
21 Usaite kuti abve pameso ako,
22 nokuti upenyu kuna avo vanoawana
23 Pamusoro pazvo zvose, chengetedza mwoyo wako,
24 Bvisa zvinotsausa pamuromo wako;
25 Meso ako ngaatarire mberi bedzi,
26 Gadzirira tsoka dzako gwara
27 Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe;