1 Mukadzi akachenjera anovaka imba yake,
2 Uyo ano mufambiro wakarurama anotya Jehovha,
3 Kutaura kwebenzi kunouyisa shamhu kumusana kwaro,
4 Kana pasina nzombe, chidyiro hachina chinhu,
5 Chapupu chechokwadi hachinyengeri,
6 Mudadi anotsvaka uchenjeri asi anohushaya,
7 Gara kure nomunhu benzi,
8 Uchenjeri hwomunhu akangwara ndiko kunzwisisa nzira dzake,
9 Mapenzi anoseka kutendeuka pazvivi,
10 Mwoyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo,
11 Imba yeakaipa ichaparadzwa,
12 Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu,
13 Kunyange mukuseka mwoyo unogona kurwadziwa,
14 Vasingatendi vachapiwa mubayiro wakazara wenzira dzavo,
15 Munhu asina mano anongotenda zvose zvose,
16 Munhu akachenjera anotya Jehovha uye anovenga zvakaipa,
17 Munhu anokurumidza kutsamwa anoita zvinhu zvoupenzi,
18 Vasina mano vachagara nhaka youpenzi,
19 Vanhu vakaipa vachagwadama pamberi pavakanaka,
20 Varombo vanoraswa kunyange navavakidzani vavo,
21 Uyo anozvidza muvakidzani wake anotadza,
22 Ko, vanoronga zvakaipa havarasiki here?
23 Kushanda nesimba kwose kunopa mubayiro,
24 Upfumi hwavakachenjera ikorona yavo,
25 Chapupu chechokwadi chinoponesa upenyu,
26 Uyo anotya Jehovha ane nhare yakasimba,
27 Kutya Jehovha ndicho chitubu choupenyu,
28 Mukuwanda kwavanhu ndimo mune ukuru hwamambo,
29 Munhu ane mwoyo murefu anonzwisisa,
30 Mwoyo wakagadzikana unopa upenyu kumuviri,
31 Uyo anomanikidza varombo anoratidza kuti anozvidza Musiki wavo,
32 Kana njodzi yauya, akaipa anowisirwa pasi,
33 Uchenjeri hunogara mumwoyo yavanohunzvera
34 Kururama kunosimudzira rudzi,
35 Mambo anofarira muranda akachenjera,