1 Iri ndiro shoko raJehovha kuna Jeremia pamusoro pokusanaya kwemvura:
2 “Judha anochema,
3 Vanokudzwa vanotuma varanda vavo kundochera mvura;
4 Nyika yaparuka
5 Kunyange nehadzi yenondo iri musango
6 Mbizi dzinomira pazvikomo zvisina miti,
7 Kunyange zvivi zvedu zvichipupura zvakaipa,
8 Imi Tariro yaIsraeri,
9 Maitireiko somunhu ashamisika
10 Zvanzi naJehovha pamusoro pavanhu ava,
11 Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Rega kunyengeterera kugara zvakanaka kwavanhu ava.
12 Kunyange vakatsanya, handinganzwi kuchema kwavo; kunyange vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, handingazvigamuchiri. Asi ndichavaparadza nomunondo, nenzara uye nedenda.”
13 Asi ndakati, “Haiwa Ishe Jehovha, vaprofita vanogara vachivataurira kuti, ‘Hamungaoni munondo kana kufa nenzara. Zvirokwazvo ndichakupai rugare rusingaperi panzvimbo ino.’ ”
14 Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Vaprofita vanoprofita nhema muzita rangu. Ini handina kuvatuma kana kuvagadza kana kutaura kwavari. Vanokuprofitirai zviratidzo zvenhema, nezvakavukwa, nezvifananidzo nokurasika kwendangariro dzavo.
15 Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavaprofita vanoprofita muzita rangu: Handina kuvatuma, asi ivo vanoti, ‘Hakungavi nomunondo kana nzara ichawira nyika ino.’ Vaprofita vacho ivavo, vachaparara nomunondo nenzara.
16 Uye vanhu vavaiprofitira vacharasirwa munzira dzeJerusarema nokuda kwenzara nomunondo. Hakuna munhu achavaviga ivo, kana vakadzi vavo, kana vanakomana vavo, kana vanasikana vavo. Ndichadururira pamusoro pavo njodzi yakafanira.
17 “Taura shoko iri kwavari, uti,
18 Kana ndikaenda mukati menyika,
19 Ko, maramba Judha zvachose here?
20 Haiwa Jehovha, tinobvuma zvakaipa zvedu,
21 Nokuda kwezita renyu, musatizvidza;
22 Ko, pazvifananidzo zvisina maturo zvendudzi, chiripo chinganayisa mvura here?