Jeremias 13

SNA

1 Zvakanzi naJehovha kwandiri: “Enda unotenga bhanhire romucheka urisunge muchiuno chako, asi usarege richipinda mvura,”

2 Saka ndakatenga bhanhire, sezvandakarayirwa naJehovha, ndokurisunga muchiuno changu.

3 Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri kechipiri richiti,

4 “Tora bhanhire rawakatenga, rawakasunga muchiuno chako uende iye zvino kuPerati undoriviga ikoko mumukaha wamatombo.”

5 Saka ndakaenda ndikandoriviga paPerati sezvandakaudzwa naJehovha.

6 Mazuva mazhinji akati apfuura Jehovha akati kwandiri, “Chienda zvino kuPerati undotora bhanhire randakati uvigeko.”

7 Naizvozvo ndakaenda kuPerati ndokufukunura bhanhire ndokuritora, uye risingachabatsiri zvachose.

8 Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,

9 “Zvanzi naJehovha: ‘Nenzira imwe cheteyo ndichaodza kuzvikudza kweJudha nokuzvikudza kukuru kweJerusarema.

10 Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanotevera kusindimara kwemwoyo yavo uye vanoenda kuna vamwe vamwari kuti vavashumire uye vavanamate, vachafanana nebhanhire iri, risingabatsiri chose!

11 Nokuti sebhanhire rinosungwa muchiuno saizvozvo ndakasungira imba yose yaIsraeri neimba yose yaJudha kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuti vave vanhu vemukurumbira wangu, kurumbidzwa kwangu nokukudzwa kwangu. Asi havana kuteerera.’

12 “Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Hombodo imwe neimwe yedehwe yewaini inofanira kuzadzwa newaini.’ Zvino kana vakati kwauri, ‘Ko, isu hatizivi here kuti hombodo imwe neimwe yedehwe yewaini inofanira kuzadzwa newaini?’

13 ipapo uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndichadhakisa vose vanogara munyika ino, pamwe chete namadzimambo anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, navaprista navaprofita navose vanogara muJerusarema.

14 Ndichavabonderedza mumwe kuno mumwe, madzibaba navanakomana saizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha. Handingabvumiri tsitsi kana ngoni dzangu kuti zvindidzivise kuvaparadza.’ ”

15 Inzwai, rerekai nenzeve dzenyu kwandiri,

16 Rumbidzai Jehovha Mwari

17 Asi kana musingateereri,

18 Uti kuna mambo nokuna mai vamambo,

19 Maguta okuNegevhi achazarirwa,

20 Simudza meso ako uone

21 Uchati kudiniko kana Jehovha achiisa pamusoro pako

22 Zvino kana ukazvibvunza pachako, uchiti:

23 Ko, muEtiopia angashandura ganda rake here,

24 “Ndichakuparadzirai sehundi inopepereswa

25 Uyu ndiwo mugove wako,

26 Ndichafukura nguo dzako pamberi pako,

27 upombwe hwako nokufemhedza kworuchiva rwako,

Ler em outra tradução

Comparar lado a lado