1 Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Kunyange dai Mozisi naSamueri vaimira pamberi pangu, mwoyo wangu hawaiva nehanya navanhu ava. Vadzingei pamberi pangu! Regai vaende!
2 Zvino kana vakakubvunza vachiti, ‘Tichaendepiko?’ Uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha:
3 “Ndichatumira mhando ina dzavaparadzi pamusoro pavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “munondo kuti uuraye uye imbwa kuti dzikwekweredzere kure, neshiri dzedenga nemhuka dzenyika kuti dzidye uye dziparadze.
4 Ndichaita kuti vavengwe noushe hwose hwenyika nokuda kwezvakaitwa muJerusarema naManase, mwanakomana waHezekia mambo weJudha.
5 “Ndianiko achakunzwira tsitsi, iwe Jerusarema?
6 Wakandiramba,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
7 Ndichavarudza neforogo yokurudzisa,
8 Ndichawanza chirikadzi dzavo
9 Mai vakabereka vana vanomwe vachaziya vagofa.
10 Yowe-e, mai vangu, zvamakandibereka
11 Jehovha akati,
12 “Ko, munhu angavhuna simbi here,
13 Pfuma yako namatura ako
14 Ndichakuita muranda wavavengi vako
15 Haiwa Jehovha, imi munonzwisisa;
16 Mashoko enyu paakasvika ndakaadya;
17 Handina kumbogara pakati peungano yavanozvifadza,
18 Seiko kurwadziwa kwangu kusingaperi,
19 Naizvozvo zvanzi naJehovha:
20 Ndichakuita rusvingo kuvanhu ava,
21 “Ndichakuponesa kubva mumaoko avakaipa