1 Ipapo Jobho akapindura akati:
2 “Ndiweka wakabatsira vasina simba!
3 Ndiweka wakapa zano kune asina uchenjeri!
4 Ndianiko akakubatsira kutaura mashoko aya?
5 “Vakafa vari pakushungurudzika kukuru,
6 Sheori yakashama pamberi paMwari;
7 Anotambanudza matenga nechokumusoro panzvimbo isina chinhu;
8 Anoputira mvura zhinji mumakore ake;
9 Anofukidza chiso chomwedzi uzere,
10 Anotara muganhu pamberi pemvura zhinji,
11 Mbiru dzokudenga dzinodengenyeka,
12 Akaunganidza mvura dzegungwa nesimba rake;
13 Matenga akashongedzwa nokufema kwake;
14 Uye izvi ndiwo macheto oga ebasa rake;