1 Ani naani anofarira kuzvirovedza anoda zivo,
2 Munhu akanaka anowana nyasha kubva kuna Jehovha,
3 Munhu haangasimbiswi nezvakaipa,
4 Mudzimai ane unhu hwakanaka ikorona kumurume wake,
5 Urongwa hwomunhu akarurama hwakarurama,
6 Mashoko owakaipa anovandira ropa,
7 Vanhu vakaipa vanobviswa pachigaro uye havazovapozve,
8 Munhu anorumbidzwa maererano nouchenjeri hwake,
9 Zviri nani kuva munhu anoninipiswa asi iwe une muranda,
10 Munhu akarurama ane hanya nechipfuwo chake,
11 Uyo anoshanda mumunda wake achava nezvokudya zvakawanda,
12 Vakaipa vanopanga zvakapambwa zvavanhu vakaipa,
13 Munhu akaipa anobatwa nokutaura kwake kwakaipa,
14 Kubva pazvibereko zvemiromo yake munhu anozadzwa nezvinhu zvakanaka,
15 Nzira yebenzi inoita seyakanaka kwaari,
16 Benzi rinoratidza kutsamwa pakarepo,
17 Chapupu chezvokwadi chinopa uchapupu hwezvokwadi,
18 Mashoko anotaurwa nokusarangarira anobaya somunondo,
19 Miromo yezvokwadi ichasimbiswa nokusingaperi,
20 Mune kunyengera mumwoyo yaavo vanoronga zvakaipa,
21 Akarurama haangatongowirwi nezvakaipa,
22 Jehovha anovenga miromo inotaura nhema,
23 Munhu akachenjera anovanza zivo yake,
24 Maoko anoshingaira achatonga,
25 Mwoyo unopunyaira unoremedza munhu,
26 Munhu akarurama anochenjerera ushamwari,
27 Munhu ane usimbe haagochi mhuka yaabata,
28 Munzira yokururama mune upenyu;