1 “Mugodhi wesirivha uripo,
2 Simbi inocherwa pasi,
3 Munhu anoita kuti rima ripere;
4 Anovhura mugodhi kure nokunogara vanhu,
5 Iyo nyika, zvokudya zvichibva mairi,
6 safire inobva mumatombo ayo,
7 Hakuna gondo rinoziva nzira iyo yakavanzika,
8 Mhuka dzinozvikudza hadziisi rutsokapo,
9 Ruoko rwomunhu runorova dombo romusarasara
10 Anochera mugero nomumatombo;
11 Anotsvakisisa panotangira nzizi
12 “Asi uchenjeri hungawanikwepiko?
13 Munhu haanzwisisi kukosha kwahwo;
14 Pakadzika panoti, ‘Hahuzi mandiri.’
15 Hahungatengwi negoridhe yakaisvonaka,
16 Hahungatengwi negoridhe reOfiri,
17 Hahungaenzaniswi negoridhe kana kristari,
18 Korari nejasipa hazvingatongorehwi;
19 Topazi yeEtiopia haingaenzaniswi nahwo;
20 “Zvino uchenjeri hunobvepiko?
21 Kwakavanzirwa meso ezvipenyu zvose,
22 Kuparadza noRufu zvinoti,
23 Mwari oga ndiye anonzwisisa nzira inoenda kwahuri,
24 nokuti anoona magumo enyika,
25 Paakasimbisa simba remhepo
26 paakaita chirevo chemvura
27 ipapo akatarira kuuchenjeri akahunzvera;
28 Zvino akati kumunhu,