1 Ipapo Jobho akapindura akati:
2 “Teereresa mashoko angu;
3 Ndiitire mwoyo murefu ndichitaura hangu,
4 “Ko, kunyunyuta kwangu kwakanangana nomunhu here?
5 Nditarire ushamiswe;
6 Ndinotya, pandinofunga izvi;
7 Nemhaka yeiko vakaipa vachirarama,
8 Vanoona vana vavo vachikura ivo vachiri vapenyu,
9 Misha yavo igere zvakanaka uye haina chainotya;
10 Hando dzavo hadzikonewi kubereka,
11 Vanobudisa vana vavo seboka ramakwai;
12 Vanoimba vachiridzirwa tambureni nembira;
13 Vanopedza makore avo mukubudirira
14 Kunyange zvakadaro vanoti kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro!
15 Wamasimba Ose ndianiko, kuti timushumire?
16 Asi kubudirira kwavo hakusi mumaoko avo,
17 “Kunyange zvakadaro, kanganiko kanodzimwa mwenje wevakaipa?
18 Vanofanana namakoto anopeperetswa nemhepo runganiko,
19 Zvinonzi, ‘Mwari anochengetera vana vomunhu kutongwa.’
20 Meso ake pachake ngaaone kuparadzwa kwake;
21 Nokuti ane hanya yeiko nemhuri yaanosiya shure,
22 “Ko, pane munhu angagona kudzidzisa ruzivo kuna Mwari here,
23 Mumwe munhu anofa achine simba rake rizere,
24 muviri wake wakagwinya,
25 Mumwe munhu anofa ane shungu dzomwoyo,
26 Vanovata muguruva pamwe chete,
27 “Ndinoziva chose zvamunofunga,
28 Imi munoti, ‘Imba yomunhu mukuru iripiko zvino,
29 Hauna kumbobvunza vafambi vaya here?
30 dzokuti munhu akaipa anodarikwa pazuva renjodzi,
31 Ndianiko anotsoropodza mafambiro ake pachena?
32 Iye anotakurwa achiendeswa kuguva,
33 Ivhu romunhika rinotapira kwaari;
34 “Saka mungandinyaradza sei nezvisina maturo?