Jeremias 17

SNA

1 “Chivi chaJudha chakanyorwa nechinyoreso chesimbi,

2 Kunyange vana vavo vanorangarira

3 Gomo rangu riri munyika

4 Nokuda kwokutadza kwako, ucharasikirwa

5 Zvanzi naJehovha:

6 Achafanana negwenzi murenje;

7 “Asi akakomborerwa munhu anovimba naJehovha,

8 Achafanana nomuti wakasimwa pamvura,

9 Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose,

10 “Ini Jehovha ndinonzvera mwoyo

11 Sechikwari chinochochonya mazai achisina kukandira,

12 Chigaro choushe chinobwinya, chakanga chakasimudzirwa kubva pakutanga,

13 Imi Jehovha, tariro yaIsraeri,

14 Haiwa Jehovha, ndiporesei, ipapo ndichaporeswa;

15 Vanogara vachiti kwandiri,

16 Handina kutiza pakuva mufudzi wenyu;

17 Musava chinhu chinotyisa kwandiri;

18 Vatambudzi vangu ngavanyadziswe,

19 Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha kwandiri: “Enda undomira pasuo ravanhu, panopinda nokubuda namadzimambo eJudha; ugondomirazve pane mamwe masuo ose eJerusarema.

20 Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo eJudha navanhu vose veJudha navose vanogara muJerusarema vanopinda napamasuo aya.

21 Zvanzi naJehovha: Zvichenjererei kuti murege kutakura mutoro nomusi weSabata kana kuupinza napasuo reJerusarema.

22 Musabudisa mitoro mudzimba dzenyu kana kuita basa ripi neripi pazuva reSabata, asi chengetai zuva reSabata rive dzvene, sezvandakarayira madzitateguru enyu.

23 Asi havana kunzwa kana kurereka nzeve dzavo; vakava nemitsipa mikukutu uye havana kumboteerera kana kugamuchira kurayirwa.

24 Asi kana mukachenjerera kuti munditeerere, ndizvo zvinotaura Jehovha, mukasauya nemitoro napamasuo eguta iri nomusi weSabata, asi muchichengeta zuva reSabata kuti rive dzvene nokusaita basa ripi neripi pazuva iroro,

25 ipapo madzimambo anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi vachauya napamasuo eguta namachinda avo. Ivo namachinda avo vachauya vakakwira ngoro namabhiza, vachiperekedzwa navarume veJudha navose vanogara muJerusarema, uye guta rino richagarwa nokusingaperi.

26 Vanhu vachauya kumaguta eJudha uye nokumisha yakapoteredza Jerusarema, kubva kunyika yeBhenjamini nokujinga rezvikomo zvokumavirira, nokunyika yemakomo uye nokuNegevhi, vachiuyisa zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, uye zvipiriso zvezviyo, nezvinonhuhwira nezvipo zvokuvonga kuimba yaJehovha.

27 Asi kana mukarega kunditeerera kuti muchengete zuva reSabata kuti rive dzvene, musingaregi kutakura mutoro pamunopinda pamasuo eJerusarema nezuva reSabata, ipapo ndichabatidza moto usingadzimwe mumasuo eJerusarema uchapedza nharo dzaro.’ ”

Ler em outra tradução

Comparar lado a lado