1 “Asi zvino vanondiseka,
2 Ko, simba ramaoko avo raizondibatsirei,
3 Vapererwa nokuda kwokushayiwa uye nenzara,
4 Vakaunganidza miriwo inovavira kubva mumakwenzi,
5 Vakabviswa pakati pavanhu vokwavo,
6 Vakamanikidzwa kuti vagare mukati mehova dzakaoma,
7 Vakarira samakwai pakati pamakwenzi,
8 Vakanga vari vanhu vakazvidzika vasina zita,
9 “Uye zvino vanakomana vavo vanondiseka munziyo;
10 Vanondisema uye vanomira kure neni;
11 Sezvo zvino Mwari akatsudunura uta hwangu uye akanditambudza,
12 Kurudyi rwangu rudzi runondirwisa; vanoisira makumbo angu misungo, vanovaka michinjiziri yokurwa neni.
13 Vanoparadza mugwagwa wangu; vanobudirira pakundiparadza, pasina munhu anovabatsira.
14 Vanofamba zvavo kunge vanopinda napakakoromoka; pakati pamatongo vanongopinda zvavo.
15 Zvinotyisa zvinondibata; kukudzwa kwangu kwabviswa sokunge nemhepo, kuchengetedzeka kwangu kwapera segore.
16 “Uye zvino upenyu hwangu hwava kuguma; mazuva okutambudzika anondibata.
17 Usiku hunobaya mapfupa angu;
18 Nesimba rake guru Mwari anova chipfeko kwandiri;
19 Anondikanda mumatope,
20 “Ndinochema kwamuri, imi Mwari, asi hamundipinduri;
21 Munondishandukira noutsinye;
22 Munondibvuta mondidzingira pamberi pemhepo;
23 Ndinoziva kuti muchandiburutsa muchindiendesa kurufu, kunzvimbo yakatsaurirwa vapenyu vose.
24 “Zvirokwazvo, hakuna munhu anobata munhu ari kushushikana
25 Ko, handina kuchema nokuda kwevaitambura here?
26 Kunyange zvakadaro, pandakanga ndakarindira zvakanaka, zvakaipa zvakasvika;
27 Kumonyoroka kwoura hwangu hakumbomiri;
28 Ndinodzungaira ndichisvibiswa, asi kwete nezuva;
29 Ndava hama yamakava,
30 Ganda rangu riri kusviba uye riri kufunuka;
31 Mbira dzangu dzava kungoridza nziyo dzokuchema,