Gênesis 49

SNA

1 Ipapo Jakobho akadana vanakomana vake akati, “Unganai kuti ndikuudzei zvichaitika kwamuri pamazuva anouya.

2 “Unganai muteerere, imi vanakomana vaJakobho;

3 “Rubheni, iwe uri dangwe rangu,

4 Unozunguzika semvura zhinji, hauchazokundizve,

5 “Simeoni naRevhi mukoma nomununʼuna,

6 Ngandirege kupinda parangano yavo,

7 Kutsamwa kwavo ngakutukwe, kunotyisa zvakadai,

8 “Judha, hama dzako dzichakurumbidza;

9 Uri mwana weshumba, iwe Judha;

10 Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha,

11 Achasungirira mbongoro yake pamuzambiringa,

12 Meso ake achasviba kupfuura waini,

13 “Zebhuruni achagara kumahombekombe egungwa

14 “Isakari imbongoro ine simba,

15 Paanoona nzvimbo yake yokuzorora kuti yanaka sei

16 “Dhani acharuramisira vanhu vake

17 Dhani achava nyoka iri parutivi pomugwagwa,

18 “Ndakamirira rusununguko rwenyu, imi Jehovha.

19 “Gadhi acharohwa neboka ravapambi,

20 “Zvokudya zvaAsheri zvichava zvakakora;

21 “Nafutari isheche yemhembwe yakasunungurwa,

22 “Josefa muzambiringa unobereka mazambiringa,

23 Neshungu vapfuri vanomurwisa;

24 Asi uta hwake hwakaramba hwakasimba,

25 nokuda kwaMwari wababa vako anokubatsira,

26 Maropafadzo ababa vako makuru

27 “Bhenjamini ibere rinoparadza;

28 Ava vose ndiwo marudzi gumi namaviri aIsraeri, uye izvi ndizvo zvakataurwa nababa vavo kwavari pavakavaropafadza, vachipa mumwe nomumwe kuropafadzwa kwakamufanira.

29 Ipapo akavarayira akati, “Ini ndava kuzosanganiswa navanhu vokwangu. Mundivige namadzibaba angu mubako mumunda waEfuroni muHiti,

30 bako riri mumunda weMakapera, pedyo neMamure muKenani, rakatengwa kubva kuna Efuroni naAbhurahama senzvimbo yokuviga pamwe chete nomunda.

31 Ndipo pakavigwa Abhurahama nomukadzi wake Sara, ndipozve pakavigwa Isaka nomukadzi wake Rabheka, uye Rea akavigwa ipapo.

32 Munda nebako riri mauri zvakatengwa kubva kuvaHiti.”

33 Jakobho akati apedza kurayira vanakomana vake, akadzora tsoka dzake mumubhedha, akabudisa mweya wake akasanganiswa navanhu vokwake.

Ler em outra tradução

Comparar lado a lado