Gênesis 10

SNA

1 Iyi ndiyo rondedzero yamarudzi aShemu, Hamu naJafeti, vana vaNoa, avo vakaitawo vanakomana mushure mamafashamu.

2 Vanakomana vaJafeti vanoti:

3 Vanakomana vaGomeri vanoti:

4 Vanakomana vaJavhani vanoti:

5 (Kubva kwavari ivava vanhu vomumahombekombe egungwa vakapararira munyika dzavo, nedzimba dzavo pakati pendudzi dzavo, rudzi rumwe norumwe nomutauro warwo.)

6 Vanakomana vaHamu vanoti:

7 Vanakomana vaKushi vanoti:

8 Kushi akanga ari baba vaNimurodhi, uyo akanga ari murwi ane simba panyika.

9 Akanga ari muvhimi mukuru pamberi paJehovha; ndokusaka zvichinzi, “SaNimirodhi, muvhimi mukuru pamberi paJehovha.”

10 Maguta okutanga oumambo hwake akanga ari Bhabhironi, Ereki, Akadhi neKarine, munyika yeShinari.

11 Achibva munyika iyoyo akaenda kuAsiria, uko kwaakandovaka Ninevhe, Rehobhoti Iri, neKara

12 neReseni, riri pakati peNinevhe neKara; rinova ndiro guta guru.

13 Miziraimi akanga ari baba veava:

14 vaPaturusi, vaKasiruhi (kunova ndiko kwakabva vaFiristia) navaKafitori.

15 Kenani akanga ari baba veava:

16 vaJebhusi, vaAmori, vaGirigashi,

17 vaHivhi, vaAriki, vaSini,

18 vaAvhadhi, vaZemari navaHamati.

19 uye miganhu yavaKenani yakasvika kuSidhoni yakananga kuGerari kusvikira kuGaza, uyezve yakananga kuSodhomu, Gomora, Adhima neZebhoimi, kusvikira kuRasha.)

20 Ava ndivo vanakomana vaHamu nedzimba dzavo uye nemitauro yavo, munyika dzavo nendudzi dzavo.

21 Shemu akaberekerwawo vanakomana, mukoma wake akanga ari Jafeti; Shemu akanga ari tateguru wavanakomana vose vaEbheri.

22 Vanakomana vaShemu vaiti:

23 Vanakomana vaAramu vaiti:

24 Afakisadhi akanga ari baba vaShera,

25 Ebheri akaberekerwa vanakomana vaviri:

26 Jokitani akanga ari baba veava vanoti:

27 Hadhoramu, Uzari, Dhikira,

28 Obhari, Abhimaeri, Shebha,

29 Ofiri, Havhira naJobhabhi. Vose ava vakanga vari vanakomana vaJokitani.

30 (Dunhu ravaigara raibvira kuMesha rakananga kuSefari, kunyika yezvikomo yokumabvazuva.)

31 Ava ndivo vanakomana vaShemu nedzimba dzavo uye nemitauro yavo, munyika dzavo nendudzi dzavo.

32 Idzi ndidzo dzimba dzavanakomana vaNoa maererano nezvizvarwa zvavo, pakati pendudzi dzavo. Kubva kuna ava ndudzi dzakapararira pamusoro penyika shure kwamafashamu.

Ler em outra tradução

Comparar lado a lado