1 Crônicas 8

SNA

1 Bhenjamini aiva baba

2 Noha wechina naRafa wechishanu.

3 Vanakomana vaBhera vaiva:

4 Abhishua, Naamani Ahoa,

5 Gera, Shefufani naHurami.

6 Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaEhudhi vakanga vari vakuru vemhuri yeavo vaigara muGebha vakazodzingwa vakaendeswa kuManahati:

7 Naamani, Ahifa naGera, uyo akavadzinga uya aiva baba vaUza naArihudhi.

8 Vanakomana vakaberekerwa Shaharaimi muMoabhu mushure mokunge arambana navakadzi vake Hushini naBhaara.

9 Nomukadzi wake Hodheshi akabereka Johabhi, Zibhia, Mesha Marikami,

10 Jeuzi, Sakia naMirima. Ava ndivo vaiva vanakomana vake, vakuru vemhuri.

11 NaHushimi akabereka Abhitubhi naEripaari.

12 Vanakomana vaEripaari vaiva:

13 naBheria naShema, avo vakanga vari vakuru vemhuri dzaavo vaigara muAijaroni uye vakadzinga vagari veGati.

14 Ahiyo, Shashaki, Jeremoti,

15 Zebhabhia, Aradhi, Edheri,

16 Mikaeri, Ishipa naJoha vaiva vanakomana vaBeria.

17 Zebhadhia, Meshurami, Hiziki, Hebheri,

18 Ishimerai, Iziria naJobhabhi vaiva vanakomana vaEripaari.

19 Jakimi, Zikiri, Zabhidhi,

20 Erienai, Ziretai, Erieri,

21 Adhaya, Bheraya naShimirati vaiva vanakomana vaShimei.

22 Ishipani, Ebheri, Erieri,

23 Abhidhoni, Zikiri, Hanani,

24 Hanania, Eramu Anitotiya,

25 Ifidheya naPenueri vaiva vanakomana vaShashaki.

26 Shamisherai, Sheharia, Ataria,

27 Jaareshia, Eria, naZikiri vaiva vanakomana vaJerohamu.

28 Vose ava vaiva vakuru vemhuri, vari madzishe sezvazvakanyorwa munhoroondo dzavo. Uye vaigara muJerusarema.

29 Jeyeri, baba vaGibheoni vaigara muGibheoni.

30 uye mwanakomana wake wedangwe ainzi Abhidhoni, achiteverwa naZuri, Kishi, Bhaari, Neri, Nadhabhi,

31 Gedhori, Ahio, Zekeri,

32 uye Mikiroti, uyo aiva baba vaShimea. Ivo vaigarawo pedyo nehama dzavo muJerusarema.

33 Neri aiva baba vaKishi, Kishi aiva baba vaSauro, uye Sauro aiva baba vaJonatani, Mariki-Shua, Abinadhabhi, naEshi-Bhaari.

34 Mwanakomana waJonatani ainzi

35 Vanakomana vaMika vaiva:

36 Ahazi aiva baba vaJehoadha, Jehoadha aiva baba vaAremeti, Azimavheti naZimiri uye Zimiri aiva baba vaMoza.

37 Moza aiva baba vaBhinea Rafa aiva mwanakomana wake, Ereasa mwanakomana wake naAzeri mwanakomana wake.

38 Azeri aiva navanakomana vatanhatu, uye aya ndiwo mazita avo:

39 Vanakomana vomununʼuna wake Esheki vaiva:

40 Vanakomana vaUramu vaiva varwi voumhare vaigona kushandisa uta. Vaiva navanakomana navazukuru vazhinji vaisvika zana namakumi mashanu pamwe chete.

Ler em outra tradução

Comparar lado a lado