1 Vakauya neareka yaMwari vakaiisa mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana pamberi paMwari.
2 Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha.
3 Ipapo akapa mumwe nomumwe womudzimai nomurume wechiIsraeri rofu rechingwa, keke romuchero womuchindwe nekeke ramazambiringa akaoma.
4 Akagadza vamwe vavaRevhi kuti vashumire pamberi peareka yaJehovha, vakumbirire, vavonge uye kuti varumbidze Jehovha, Mwari waIsraeri:
5 Asafi ndiye aiva mukuru wavo, Zekaria wechipiri, kuchitevera Jeyeri Shemiramoti, Jehieri, Matitia, Eriabhi, Bhenaya, Obhedhi-Edhomu naJeyeri. Vaizoridza mitengeranwa nembira; Asafi aizoridza makandira
6 uye Bhenaya naJahazieri vaprista vaizoridza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari.
7 Zuva iroro Dhavhidhi akapa kwokutanga Asafi navamwe vake pisarema iri rokuvonga Jehovha:
8 Vongai Jehovha, danai kuzita rake;
9 Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza;
10 Zvirumbidzei muzita rake dzvene;
11 Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake;
12 Rangarirai zvishamiso zvaakaita,
13 Haiwa, imi zvizvarwa zvaIsraeri muranda wake,
14 Ndiye Jehovha Mwari wedu;
15 Anorangarira sungano yake nokusingaperi,
16 Sungano yaakaita naAbhurahama,
17 Akasimbisa kuna Jakobho somutemo,
18 “Kwauri ndichapa nyika yeKenani,
19 Pavakanga vari vashoma,
20 vakadzungaira kubva kuno rumwe rudzi kusvika kuno rumwe,
21 Haana kutendera munhu kuti avadzvinyirire;
22 “Musabata vazodziwa vangu;
23 Imbirai Jehovha, pasi pose;
24 Zivisai kubwinya kwake pakati pendudzi,
25 Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kwazvo kurumbidzwa;
26 Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo,
27 Kubwinya nokukudzwa zviri pamberi pake;
28 Ipai kuna Jehovha, imi mhuri dzendudzi,
29 ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake.
30 Dederai pamberi pake, imi nyika yose!
31 Matenga ngaafare, nyika ngaifare;
32 Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mariri;
33 Ipapo miti yesango ichaimba,
34 Vongai Jehovha nokuti akanaka;
35 Danidzirai muchiti, “Tiponesei, imi Mwari Muponesi wedu;
36 Rumbidzai Jehovha, Mwari waIsraeri,
37 Dhavhidhi akasiya Asafi navamwe vake pamberi peareka yesungano yaJehovha kuti ashumirepo nguva dzose maererano nezvaidiwa zuva rimwe nerimwe.
38 Akasiya Obhedhi-Edhomu navamwe vake makumi matanhatu navasere kuti vashumire navo. Obhedhi-Edhomu mwanakomana waJedhutuni naHosa vaiva vatariri vamasuo.
39 Dhavhidhi akasiya Zadhoki muprista navamwe vaprista pamberi petabhenakeri yaJehovha panzvimbo yakakwirira muGibheoni
40 kuti vape zvipiriso zvinopiswa, kuna Jehovha paaritari yezvipiriso zvinopiswa, nguva dzose, mangwanani namanheru maererano nezvose zvakanga zvakanyorwa muMurayiro waJehovha waakanga apa Israeri.
41 Pakati pavo paiva naHemani naJedhutuni navamwe vose vaiva vakasarudzwa namazita kuti vavonge Jehovha, “Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.”
42 Hemani naJedhutuni vaiva nebasa rokuridza hwamanda namakandira uye nokuridza zvimwe zviridzwa parwiyo rutsvene. Vanakomana vaJedhutuni vakaitwa vatariri vamasuo.
43 Ipapo vanhu vose vakabvapo, mumwe nomumwe akaenda kumba kwake, uye Dhavhidhi akadzokera kumba kwake kundoropafadza mhuri yake.