Apocalipse 15

SHONA

1 Zvino ndakaona chimwe chiratidzo kudenga chikuru uye chinoshamisa, vatumwa vanomwe vane matambudziko manomwe ekupedzisira, nokuti mune awa kutsamwa kwaMwari kwakapedzeredzwa.

2 Ndikaona segungwa regirazi rakavhenganiswa nemoto, neavo vakakunda chikara nemufananidzo wacho nemucherechedzo wacho, nenhamba* yezita racho, vamire pagungwa regirazi, vane udimbwa hwaMwari.

3 Vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari nerwiyo rweGwayana, vachiti: Makuru uye anoshamisa mabasa enyu, Ishe Mwari Wemasimbaose; dzakarurama uye ndedzechokwadi nzira dzenyu, Mambo wevatsvene.

4 Ndiani angatongorega kukutyai, Ishe, nekukudza zita renyu? Nokuti ndimwi mega mutsvene; nokuti marudzi ese achauya uye achanamata pamberi penyu; nokuti zviito zvenyu zvakarurama zvakaratidzwa.

5 Zvino shure kweizvozvo ndakaona, zvino tarira, yakazarurwa tembere yetabhenakeri yeuchapupu mukudenga;

6 zvino kwakabuda vatumwa vanomwe vane matambudziko manomwe mutembere, vakapfeka mucheka wakachena unopenya, uye vakamonerwa pazvifuva nemabhanhire egoridhe.

7 Uye chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa vatumwa vanomwe ndiro nomwe dzegoridhe dzizere nehasha dzaMwari, anorarama kusvikira rinhi narinhi.

8 Tembere ndokuzadzwa neutsi hunobva pakubwinya kwaMwari nepasimba rake; kukasava newakagona kupinda mutembere, kusvikira matambudziko manomwe evatumwa vanomwe apera.

Ler em outra tradução

Comparar lado a lado