3 João 1

SHONA

1 Mukuru, kuna Gayo anodikanwa, wandinoda ini pachokwadi.

2 Mudikanwi, ndinonyengetera pazvinhu zvese kuti ubudirire, uye ugwinye, semweya wako uchibudirira.

3 Nokuti ndakafara zvikuru, hama padzakasvika ndokupupurira chokwadi chako, sezvaunofamba iwe muchokwadi.

4 Handina mufaro unopfuura izvi, kuti ndinzwe vana vangu vachifamba muchokwadi.

5 Mudikanwi, unoita nekutendeka zvese zvaunobata kuhama nekuvaeni,

6 vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana ukavaperekedza zvakafanira Mwari.

7 Nokuti nekuda kwezita rake vakabuda vasingagamuchiri chinhu kuvahedheni.

8 Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira vakadaro, kuti tigova vanobatsirana pachokwadi.

9 Ndakanyorera kereke; asi Dhiotirefesi, anoda kuva wekutanga pakati pavo asingatigamuchiri.

10 Naizvozvo, kana ndichiuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, achitiitira makuhwa nemashoko akaipa; uye asingagutsikani neizvozvo, kunyange iye amene haagamuchiri hama, uye anovadzivisa vanoda, nekudzinga mukereke.

11 Mudikanwi, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Anoita chakanaka ndeanobva kuna Mwari; asi anoita zvakaipa, haana kuona Mwari.

12 Dhemetrio anopupurirwa zvakanaka nevese, uye nechokwadi pachacho; nesuwo tinopupura, nemwi munoziva kuti kupupura kwedu ndekwechokwadi.

13 Ndakange ndine zvizhinji zvekunyora, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;

14 asi ndinovimba kukurumidza kukuona, titauriranewo muromo nemuromo. Rugare kwauri. Vadikanwi vanokukwazisa. Kwazisa vadikanwi nezita.

Ler em outra tradução

Comparar lado a lado